Quantcast
Channel: My Zimbabwe News | Makuhwa in Zimbabwe | Kwayedza Newspaper | Zimbabwe Online Shona News | Shona News | Kwayedza website | Hmetro News - My Zimbabwe News
Viewing all articles
Browse latest Browse all 36

Mukwasha and mother-in-law caught having sex, sired 2 children together in Banket

$
0
0

"VAMWE vana vangu ndakavaita nemukuwasha!"

Mashoko aya anoramba kugamuchirika sezvo patsika dzechivanhu mukuwasha naambuya vari vanhu vanofanirwa kunge vachinyarana uye kuti vasingafarise zvekusvika pakugara semurume nemudzimai.

Asi kumumwe mukadzi nemukuwasha wake vekuTrelawney, kuBanket, kunyarana uku hapachisina sezvo ambuya vari kuita kuimba chaiko vachiti pavana vavo, vaviri vacho vakavaita nemukuwasha.

Ambuya nemukuwasha vepapurazi reNew Grade ava vari kubuda pachena kuti vanodanana uye izvi zvinotevera kubatikidzwa kwakaitwa nevehukama.

Memory Mbavara (33) akaudza vatori venhau svondo rapera kuti anodanana nemukuwasha wake, Solomon Shayanewako Jena (51), uyo anovazve sabhuku wenzvimbo iyi. Solomon ane mudzimai wake, Rosemary Zungunde (43), anova hanzvadzi yemurume waMemory.

Joseph Kudakwashe Zungunde (56) ndiye murume waMemory.

Pachivanhu chemuZimbabwe, Memory naSolomon ndiambuya nemukuwasha avo vanofanirwa kunyarana nekuremekedzana muzvokwadi.
Memory akaudza vatori venhau, murume wake, VaZungunde, varipo kuti:

"Ichokwadi, tete vakandibatikidza ndirere nemurume wavo, handirambe. Asi ndinoti murume wedu tose nekuti ndakadanana naye kare kwemakore anosvika 16 ndisati ndambodanana nehanzvadzi yavo. Ivo tete ndivo vakazondinyengera hanzvadzi yavo vaona kuti ndaidanana nemurume wavo.

"Vakatisvikira ini ndisati ndapfeka. Ini ndini ndakatanga kuvaona ndokuzivisa (Solomon) Shayanewako ndichiti 'hona Mbuya vaDillan avo.' Iye akabva atiza achisiya ndiripo, vakasvikotora chipfeko changu."

Memory anoti hazvikwanisike kuti arambane naSolomon nekuti ndiye baba vevamwe vana vake.

"Shayanewako murume wangu, ndakadanana naye kare hazvigone kuti tirambane. Vana vandaiti vaMatemai (VaZungunde) havasi vavo, vaingochengeta. Mumwe wacho ndewe mumwewo murume.

"Ivo (Zungunde) havana chavo, ndaingogarawo navo kuvachengeta asi ndaipedzwa nyota naShayanewako."
Memory anoti nzvimbo yavakabatikidzirwa iyi ndipo pavaigara vachinodananirana nguva dzose nekuda kwekuhwanda kwapakaita.

"Iyi ndiyo yaiva nzvimbo yedu yekuonerana saka musi uyu takazobatwa zvedu, asi chave kundityisa tete vakatora chipfeko changu, vanogona kundigadzira."

Anoti mbatya zhinji dzaainadzo akatengerwa naSolomon zvaisazivikanwa nemurume wake zvose natete.

"Ndaipihwa mari nekutengerwa mbatya nemukuwasha uyu. Kwandiri haasi mukuwasha, murume wangu nekuti baba vari apa ava (kureva murume wake Zungunde) havana simba asi Jena (Solomon) ishasha. Ndiri mwana mudiki ini, handingazvikwanise uyewo ndaida vana saka ndakaitiswa naJena," akadaro.

Kunyange zvichinzi rudo rwevaviri ava rwaimbova rwemuchivande pakutanga, gava rinonzi rakazodambura musungo nemusi wa17 Zvita gore rapera apo Mai Shayanewako vakawanikidza murume wavo nemuroora vari pakati pechuru.

Mudzimai uyu achitaura nehasha, akatsinhira kuti vaviri ava akavawanikidza.

"Ndakashamiswa kuti muroora wangu chaiye kumuwanikidza nemurume wangu. Kana dai aida zvake kuita chipfambi akadii kutsvaga mumwe murume pane kudanana nemukuwasha? Murume waMemory ndiye wandinoti baba, ihanzvadzi yangu buda ndibudewo saka murume wangu naMemory ndiambuya nemukuwasha chaivo. Shuwa here kubvisira mukuwasha hembe?" vakadaro Mai Shayanewako.

Vanoti nemusi uyu murume wavo akanga achida kuenda kuHarare apo akanzvenga pamba ndokunosangana naMemory vachibva vapinda muchuru.

"Memory akabva kumba nechigubhu achiti aienda kutsime. Ini ndakazodarikawo nemusango umu ndichida kuenda kumba kwemumwe mudzimai apo ndakawanikidza vaviri ava. Murume wangu akatiza muroora wangu ndokusara agere pazambia ravainge vakawaridza. Sezvo muroora wangu akanga akabvisa chipfeko chemukati, ndakachitora seumboo, ndinacho kusvikira nhasi uno," vakadaro Mai Shayanewako.
 
"Muroora uyu ndakamurova apo aikumbira ruregerero kwandiri achiti, 'sorry tete, sorry tete'. Akabvuma kuti aiva zvose. Chokwadi kuitwa masanganiswa kudaro here, kuti uku ane hanzvadzi yangu, uku ane murume wangu? Ndiwo makunakuna ekugumisira munyika aya.

"Ndinoda kuripwa mombe mbiri chaidzo nemurume wangu pamwe chete naiye muroora. Kuita chipfambi chinonyadzisa kudaro?"

Vanoti inyaya inovarwadza zvikuru nekuti pakatiziswa Memory nehanzvadzi yavo akasvikira mumba mavo vakazomutora vachimuendesa kumurume wake. Nyaya iyi vanoti vakazoisvitsa kumapurisa ekuTrelawny vakanzi vanotaurirana nekuisvitsa kwashe weko, izvo vakaita.

Musi wabatikidzwa vaviri ava, mukuwasha uyu anonzi haana kuzooneka sezvo akabva aenda kuHarare uko akazodzoka achikumbira ruregerero.

"Murume wangu akandikumbira ruregerero achiti, 'Mudzimai wangu ndiregererewo zvawakaona ndizvozvo, ndinodanana nemuroora wako ambuya vangu. Ndine hurombo,'" vakadaro.

Memory nemurume wake vakaroorana mugore ra2000, kuchiti Solomon akawanana nemudzimai wake makore 26 akadarika. Mai Shayanewako vakatsinhira nyaya yekuti muroora uyu anoti vamwe vevana vake akaita nemukuwasha.

"Dambudziko rekuti hanzvadzi yangu haana simba takarinzwa, izvo zvekuti vana ndeve mukuwasha hamheno. Pane runyerekupe rwekuti vana vaMemory ndeve imwe hanzvadzi yangu ari kumusha. Hamheno ivo ndivo vanoziva asi mwana wavo musikana ane zita rangu," vakadaro.

Vanoti kana zvakadaro muroora wavo uyu ngaachiuya zvake azoita mudzimai wechipiri pamurume wavo.

Memory paakaona kuti abatikidzwa anonzi akabva atiza musha ndokuenda kumba kwaambuya vake kwaSabhuku Zvikaramba, kuMupumbu kwekare kwaZvimba.

Asi Solomon akaramba kutaura zvakawanda nevatori venhau zvisinei kuti akaita seanobvuma kuti anodanana naambuya vake.

"Endai munotaura nevakakupai mashoko iwayo nekuti ini ndinogona kuzvidzivirira asi ini ndiine mhosva. Nyaya inogona kunge iripo zvayo uye mambo vemuno, VaKarigamombe, vave kuzviziva, nyaya iyi yavako," akadaro.

Murume wekutorerwa mudzimai nemukuwasha, VaZungunde, vakatsinhira vachiti:

"Nyaya iyi inondirwadza zvikuru, chokwadi kudheerera kwakadii kuti mukuwasha wangu chaiye anodanana naambuya, mukadzi wangu? Ende haana kundiroorera futi mukuwasha uyu, akangobvisa dhemenji chete. Ava kudarikira kunodhemenja mukadzi wangu futi?

"Ini ndaiva ndaenda kunorima apo Memory anonzi akabva pamba achiti aienda kutsime ndokuzonowanikidzwa natete aine mukuwasha."

Vanotiwo zvinorwadza nekuti ndivo vane mombe dzinorimira mukuwasha uyu nemhuri yake.

VaZungunde vakashamisa vatori venhau apo vakati zvisinei nekuti mudzimai wavo anodanana nemukuwasha, vanongomuda zvakadaro.

"Mukadzi wangu ndinomuda asi ndinoda zvangu kuripwa pamwe chete nehanzvadzi yangu. Mukuwasha uyu anofanirwa kuripa uyewo mukadzi wangu oripa," vakadaro.

Panyaya yevana, vakati havana chokwadi chekuti ndevavo.

"Vana handichaziva kuti ndevangu here nekuti vanhu ava vanogona kunge vakadanana kare."

Mai Shayanewako vakatsinhira mashoko ekuti muroora uyu vaida kuti adzoke pamusha kunyange achidanana nemukuwasha, murume wavo.

"Hanzvadzi inorwara, ngaadzoke zvake muroora pamusha," vakadaro.

VaZungunde vanoti zvinorwadza kuchengeteswa vana vasiri vavo kubva ichiri nhumbu.

"Ini ndinoda kuripwa nekuti ndakachengeta vana vevamwe varume ndichiti ndevangu. Ichokwadi kuti handina simba asi ndivo vakandiroya Memory naShayanewako," vakadaro.

Memory akaenderera mberi achiti: "Matemai ava havana kumbobvira vakaita mwana, vavanoti matwins vana vemumwe mukadzi avo vana vacho vakafa vaiva vana vemumwewo murume.

"Chokwadi ini nezvaMatemai ava handichada, kudare ndichanotaura chokwadi pasina kuvanza kuti ndinodanana naShayanewako uye vana vaviri ava ndeve mukuwasha. Uyu mumwe mwana ana baba vake oga asi ndakati vose ndeve kwaZungunde."

Nyaya iyi inonzi yamirira kupinda mudare munguva iri kutevera.


Viewing all articles
Browse latest Browse all 36

Trending Articles



<script src="https://jsc.adskeeper.com/r/s/rssing.com.1596347.js" async> </script>